Ini Ndinewe Babe
Usatya , pukuta musodzi, Nyemwerera mukadzi uringirozi, Shaina babe unopenyeredzi , Ini Ndinewe babe tyora easy, Ñdinokuda mhamhi , chingiita zii bedzi. Ngati dananhe babe , tirasise vavengi, Hakuna anokuda seni , Takafitana wani babe , iwewe neni, Makanaka Mai mwana , munoita kuti yangu irove hana, Tsika unadzo Makoti , kuita kunge wemu bhaibheri Hannah, Ndiwe uchava Mai vevana , Hapina kana musi hwani watichapesana, Chakakosha Mai mwana kunzwanana , Ndinewe babe kusvika muguva , Ndokuva newe mhamhi nguva benguva, Usatye mhamha , uri wangu ndega , Uchiona kudai kuti ndive newe ndinyadenga , Mombe ndichatenga babe , Yeroora ndichatsvaga babe , Saka ndaidze kuti Dhedhi . Vanotaura sei vataure , Chandoziva hatisi kudzokera Shure , Tichapinda tose mumambure, Hatimbopi vavengi mukana, Munodiwa Mai mwana, Makakosha Mai mwana , Ndimi mega Mai mwana.
Poetry Books 50% Off
Bestselling collections from top poets
